The Herald
Herald Reporter
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, Ambassador Frederick Shava, vari kutungamira nhumwa dzeZimbabwe kumusangano weSADC Council of Ministers uri kuitirwa kuKinshasa, kuDemocratic Republic of Congo.
Musangano uyu uri kutarisirwa kutanga nhasi kusvika Muvhuro.
Ambassador Shava vanoperekedzwa nevakuru vakuru veHurumende.
Mumashoko avo nezuro, mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaLivit Mugejo, vakati musangano uyu uchazeya mamiriro ekuzadzikiswa kwezvisungo zveCouncil neSADC Summit.
“Ichaongorora zvakare zvirongwa nezviitwa zvine chinangwa chekusimudzira pamwe nekudzamisa kudyidzana kwematunhu, kudyidzana pamwe nekusimudzira upfumi hwenyika.
“Musangano weKanzuru yeMakurukota unotangirwa nemisangano yekugadzirira yeDare Rakamira revakuru vakuru neKomiti Yezvemari yakaitwa kubva 13 kusvika 15 Kurume 2023.”